Sengezo Tshabangu, anova Munyori Mukuru weCitizens Coalition for Change (CCC) uye mutungamiri wevanopikisa muParamende, ataura kuti bato rake richapikisa President Emmerson Mnangagwa kuwedzera nguva yake pachigaro kupfuura miganhu yebumbiro remitemo inotendera makotoro(term) maviri chete.
Shoko iri rinouya mavhiki mashoma mushure mekunge Tshabangu ambotsigira chidanho chekuti vaMnangagwa vatonge kechitatu panguva yekushanyira purazi ravaMnangagwa kuSherwood, Kwekwe.
Kutsigira kwaTshabangu kwechirongwa cheZANU PF chekushandura bumbiro remitemo kuti chitendere vaMnangagwa kutonga kechitatu kwakamupinza mukutsoropodzwa nevamwe vaitungamira mabato anopikisa, vachimuti mutengesi.
Zvisinei, mushure memusangano naSpeaker weNational Assembly, Jacob Mudenda, Tshabangu akaburitsa chirevo kuburikidza nemutauriri wake, Nqobizitha Mlilo, achishandura danho. Akataura kuti vanopikisa zvikuru chidanho ichi chekutendera term yechitatu, vachichiidaidza kuti “chinonyangadza uye chinosemesa”, zvichipesana nezvinangwa zvenyika. Mlilo akati:
> Mubvunzo unodzokororwa: CCC ichatsigira here chikumbiro chechitatu chaMnangagwa? Kana chikumbiro chakadaro chisingakoshi.
> Kuendesa sarudzo dza2028 kana hurongwa hwe2030, sezvatambotaura, hazvigoni kuva chinangwa chega. Hazvigonekuti nyika isunungurwe nemunhu mumwe chete.
> Hurongwa uhwu hahusati hwataurwa munzvimbo dziri pamutemo dzehurumende. Inyaya yeZANU PF chete…
> Senator Tshabangu akaudza Speaker Mudenda kuti pfungwa yenguva yechitatu inonyangadza uye inopesana nezvinangwa zvenyika. Inokanganisa kubatana. Hatizoitenderi. Takakurudzira kuti pfungwa iyi ibviswe.
Mlilo akati musangano waTshabangu naMudenda waive danho rekutaura pachena kuti CCC haibvumirani nekutonga kechitatu, kunyange nyaya iyi isati yasvika muParamende.
Zvisinei, vamwe vanopokana nekutendeseka kwaTshabangu, vachiti anogona kunge ari kudzorwa neZANU PF, sezvo asina kukwanisa kutora CCC pasina rubatsiro rwemasangano ehurumende.