Vagari vekuBuhera South Constituency, ward 29 mubhuku rekwaBanga vari kunyunyuta nekunyimwa chikafu che World Food Programme nasabhuku wavo.
Vagari ava vanopomera sabhuku Elisha Tirivairi Mutongoreya vari mudunhu raMambo Chamutsa vachiti anovatorera chikafu chinenge chapiwa vanhu nehurumende achipa mukadzi wake waanohura naye munharaunda yeUringambire.
Mumwe wevagari vemubhuku raSabhuku uyu ano asina kuda kudomwa nezita anoti Sabhuku anodya chikafu nemukadzi waanofambidzana naye anonzi Verayi Irimai izvo zvinonzi hazvisi kufadza vagari vemubhuku iri.
Vaenderera mberi vachiti “ichi chinhu chaigaroitwa nasabhuku uyu uye anotyisidzira vanhu achiti mukazvitaura kuutungamiriri ndinokudzingai mubook rangu.
Vanoti nemusi weChishanu (12) vakapiwa chikafu pa point center yavo panonzi paBhegedhe township uye sabhuku uyu akazviita zvekare.
Vanoti sabhuku vakatorera vana mbuya vechikuru vanotambura chikafu zvakazoita kuti vanhu vashinge kundopa chichemo ichi kumumiriri wakanzura akange aripo anonzi Passmore Chabata.
Sezvo councillor akange asipo, mumiriri wacouncillor akauya nevamwe vake vanonzi Beta Wonder na Hari Zakaria kuzobvunzurudza nezvenyaya iyoyo.
Vaenderera mberi vachiti “isu tose vanhu vemubook raBanga takataura pachena iye sabhuku aripo kuti sabhuku mukadzi wavo unototambira chikafu chake akazvimiririra asi ivo sabhuku vanozotorazve chikafu saga rose 50kg ne5litres ne5k yebeans woti ndezvangu sasabhuku voendesa kupfambi iyoyo.”
Vakatizve sabhuku vakazobvunzurudzwa, sabhuku vakaratidza kushaya mhinduro kusvikira vaChabata vati “dzosai chikafu chose chamatora hazvisi pamutemo zvamuri kuita.”
VaChabata ndivo vanonzi vakazotsiura Sabhuku Mutongoteya vachiti zvee vakavapa yambiro kuti vakaramba vachiita chiito chakaipa kudero vachatorerwa matanho makuru.
Hatina kukwanisa kubata Sabhuku Mutongoteya kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi. Asi vagari vemubhuku umu vanoti dai hurumende yatora matanho anosimbaradza jekerere pakugoverwa kechikafu.
More: The Zim Bulletin